Matthew 6

Mharidzo pagomo: Kupa varombo

1Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga. 2Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. 3Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako. 4Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda, ivo vachakuripira pachena.

Kunyengetera

5Zvino kana uchinyengetera, usava sevanyepedzeri; nokuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. 6Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati, ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena. 7Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji. 8Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa musati mavakumbira.

Jesu anodzidzisa kunyengetera

9Naizvozvo imwi nyengeterai seizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene; 10ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga; 11mutipei nhasi kudya kwedu kwemisi yese; 12uye mutikanganwire mangava edu, isu sezvatinokanganwirawo vane ngava nesu; 13uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nokuti ushe ndehwenyu nesimba nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. 14Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo. 15Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.

Kutsanya

16Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nokuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo. 17Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako, 18kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.

Fuma yenyika neyekudenga

19Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane chifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba; 20asi muzviunganidzire fuma kudenga, uko kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi kana kuba. 21Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu.

22Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wese uchazara nechiedza. 23Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wese uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei!

24Hapana angashumira vatenzi vaviri; nokuti achavenga umwe, akada umwe; kana achanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*.

Kutambudzika nekuvimba naMwari

25Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu hahupfuuri kudya here, nemuviri chipfeko? 26Tarirai shiri dzedenga, nokuti hadzidzvari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here? 27Ndiani kwamuri nekufunganya angawedzera mbimbi imwe paurefu hwake? 28Nepamusoro pezvipfeko munofunganyirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei; haishingairi, hairuki; 29asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kwese haana kupfekedzwa seimwe yeiyi. 30Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo rudiki? 31Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei? 32Nokuti izvozvi zvese vahedheni vanozvitsvaka, nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvese. 33Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri. 34Naizvozvo musafunganyira mangwana, nokuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.

Copyright information for Shona